Job 26

Jobho

1Ipapo Jobho akapindura akati:

2“Ndiweka wakabatsira vasina simba!
Wakaponesa sei ruoko rwakarukutika!
3Ndiweka wakapa zano kune asina uchenjeri!
Ndiweka wakaratidza njere dzakakura kwazvo!
4Ndianiko akakubatsira kutaura mashoko aya?
Uye mweya waaniko wakataura kubva pamuromo wako?

5“Vakafa vari pakushungurudzika kukuru,
ivo vari pasi pemvura zhinji navose vanogara mairi.
6Sheori yakashama pamberi paMwari;
kuparadza hakuna kufukidzwa.
7Anotambanudza matenga nechokumusoro panzvimbo isina chinhu;
anorembedza nyika pasina chinhu.
8Anoputira mvura zhinji mumakore ake;
asi makore acho haabvaruki nokuda kwokuremerwa.
9Anofukidza chiso chomwedzi uzere,
achiwarira makore ake pamusoro pawo.
10Anotara muganhu pamberi pemvura zhinji,
kuti ugova muganhu pakati pechiedza nerima.
11Mbiru dzokudenga dzinodengenyeka,
dzichivhundutswa nokutuka kwake.
12Akaunganidza mvura dzegungwa nesimba rake;
akagura-gura Rahabhi nenjere dzake.
13Matenga akashongedzwa nokufema kwake;
ruoko rwake rwakabaya nyoka inobhururuka.
14Uye izvi ndiwo macheto oga ebasa rake;
haiwa tinongonzwa kuzevezera kwake!
Zvino ndianiko anganzwisisa kutinhira kwesimba rake?”
Copyright information for SnaBDSC